1 Corinthians 3

Pamusoro poKupesana muKereke

1Hama, ndakanga ndisingagoni kutaura nemi savanhu vomweya asi savanhu venyama, vacheche zvavo muna Kristu. 2Ndakakupai mukaka, kwete zvokudya zvikukutu, nokuti makanga musingagoni kudya. Zvirokwazvo, hamusati mava kugona kudya nazvino. 3Nokuti muchiri venyama. Nokuti sezvo pakati penyu pachine godo negakava, ko, hamusi venyika here? Ko, hamusi kufamba savanhuwo zvavo here? 4Nokuti kana mumwe achiti, “Ini ndiri waPauro,” mumwe achiti, “Ini ndiri waAporosi,” ko, hamusi vanhuwo zvavo here?

5Aporosi chiiko? Uye Pauro chiiko? Varanda bedzi; vamakatenda kubudikidza navo mumwe nomumwe sezvaakapiwa naShe. 6Ini ndakasima, Aporosi akadiridza, asi Mwari ndiye akameresa. 7Saka naizvozvo anosima kana anodiridza haazi chinhu, asi Mwari chete, iye anomeresa zvinhu. 8Munhu anosima nomunhu anodiridza vane chinangwa chimwe, uye mumwe nomumwe wavo achapiwa mubayiro maererano nezvaakabata pabasa rake. 9Nokuti tiri vabati pamwe chete naMwari; muri munda waMwari, muri imba yaMwari.

10Nenyasha dzandakapiwa naMwari, ndakaronga nheyo somuvaki akachenjera, uye mumwewo ari kuvaka pamusoro payo. Asi mumwe nomumwe ngaachenjere kuti anovaka sei pamusoro payo. 11Nokuti hakuna mumwe angaronga dzimwe nheyo kunze kwaiyo yakarongwa kare, inova ndiyo Jesu Kristu. 12Zvino kana munhu achivaka panheyo iyi achishandisa goridhe, kana sirivha kana mabwe anokosha, kana matanda, kana uswa, kana mashanga, 13basa rake richaonekwa kuti rakaitwa nei, nokuti Zuva iro richazvibudisa pachena. Richaratidzwa nomoto, uye moto uchaedza basa romumwe nomumwe. 14Kana zvaakavaka zvikagara, iye achagamuchira mubayiro wake. 15Kana zvikapiswa, iye acharasikirwa: asi iye pachake achaponeswa: asi souya abuda mumoto.

16Ko, hamuzivi here kuti muri temberi yaMwari uye kuti Mweya waMwari anogara mamuri? 17Kana munhu achiparadza temberi yaMwari, Mwari achamuparadza; nokuti temberi yaMwari itsvene, ndimi temberi yacho.

18Musazvinyengera. Kana mumwe wenyu achizviti akachenjera namaonero enyika ino, ngaave “benzi” kuti ave akachenjera. 19Nokuti uchenjeri hwenyika ino upenzi pamberi paMwari. Sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Anobata vakachenjera pamano avo,” 20uye zvakare, “Ishe anoziva kuti mifungo yavakachenjera haina maturo.” 21Naizvozvo ngakurege kuva nomunhu anozvikudza pamusoro pavanhu! Zvinhu zvose ndezvenyu, 22angava Pauro kana Aporosi, kana Kefasi, kana nyika, kana upenyu, kana rufu, kana zvazvino, kana zvinouya, zvose ndezvenyu, 23uye muri vanhu vaKristu, uye Kristu ndewaMwari.

Copyright information for SnaBDSC